Ndave munhu anofara ndisina marwadzo.
Zita rangu ndinonzi Patrick Vunganayi, Runhare 0772520572, Ninogara Stand No. 3865, Rovkview Park, Harare. Chekutanga ndakazvarwa patsva ndinopinda Methodist Church in Zimbabwe. Ndine makore makumi mashanu nemanomwe (57) ekuberekwa. Ndine mudzimai uye nevana vatatatu – vasikana vaviri nemukomana mumwe.
Kutanga kwangu kurwara rwaingova ruoko rweruboshwe rwairwadza zvikuru kunyanya nguva yemanheru pakundorara. Izvi zvakatanga ndichishanda KuSouth Africa uko ndaityaira marori aitakura marasha eEskom kubva kumigodhi tichiendesa kumaPower Stations. Vana Chiremba vakandashakanyira vazhinji vaingondipa mapiritsi ekunyaradza marwadzo. Asi izvi hazvina kubatsira nokuti marwadzo acho aimboti akati nyarararei otangisa zve, izvi zvakaitika kwermakore matatu apfuura.
Muna Zvita 2016 ndakadzoka kuno KuZimbabwe kuzotsvaga rubatsiro rwaana chiremba vemuno sezvo ndaive nemedical aid yemuno uyezve ndakazviitira kuti paiva pedyo nemhuri yangu yaizogona kundishanyira kuchipatara kwandaizowana rubatsiro. Marwadzo akazonyanya kusumudzira munaNdira 2017, zvekuti kana kurara kwacho zvakanga zvisingaite ndairara ndakagara.
Ndakaenda kuRowland CIMAS Clinic uko nkdazonotariswa naana chiremba ndokubva vandiudza kuti dambudziko rangu raida vana mazvikokota vezveunato wemusana. Vakandipa tsamba yekuenda nayo kwaChiremba Mandizvidza. Izvi zvakandinetsa nokundishungurudza zvikuru nokuti marwadzo angu aitonyanyisa kurwadza husiku.
Ndakazoenda panorapira Chiremba Mandizvidza paNumber 5, Natal Road muBelgravia ndikapihwa zuva rekuzoona Chiremba. Musi wandakapihwa wakasvika ndikaenda ndikanosangana naChiremba Mandizvidza. Vakanditsanangurira zvose uyezve nemashandiro anoita musana kubva kumusoro (paunotangira) kusvika paunoperera. Ndakaitwa maX-rays ndikadzokera nawo kuti Chiremba vaoone kuti dambudziko rakanga riripapi. Chiremba vakandizivisa kuti dambudziko rakanga riri panzvimbo iripa C5/C6 pamusana uye kuti kuoperetwa ndokwaizogadzirisa apa. Izvi hazvina kutambirika nehama dzangu pandaka vatsanangurira. Vaiti muno muZimbabwe hamusati mave nanaChiremba vanogona kuoperata musana uyezve vaiti kana zvikasafamba mushe ndaizoita chirema ndisisa fambe hupenyu hwose. Vamwewo ndovaiti kunorapwa kuIndia ndokwaitoita nokuti machiremba eko aigona pazvirerwe izvi.Chiremba vakandiudza kuti marwadzo acharamba achikura zvinozongoita kuti ndizoita sarudzo yekuitwa operasheni.
Chokwadi munaNyamavhuvhu 2017 marwadzo akanga akura, ndakadzokera kwaChiremba. Asi mukukurukura navo vachindiudza nezvinogona kuitika zvakanaka nezvekaipa (side effets) yeoperasheni ndakadududza ndikati handisati ndave kuda kuoperatwa. Vakandipa mapiritsi emarwadzo asi ndairamba ndichirwadziwa.
Marwadzo aramba achirwadza ndakadzokerazve kwaChiremba muna Kurume 2018 ndave kunzwa kuti iyezvino ndave kuda kuoperetwa. Ndakasvika ndikaudzwa kuti Chiremba vakange vasipo vari kunze kwenyika, Ndakadzokera kumba ndikamirira kudzoka kwavo. Vadzoka ndakanopihwa zuva rekuvaona, takaita hurukuro zvakare ndikaudza Chiremba kuti iyezvino ndave kuda kuoperatwa nokuti marwadzo akanga asisapere. Vakandipa maquotations ndikaenda nawo kumaoffice eCIMAS, tikabhadhara mungava wakanga wasara ndikaendesa marisiti kwaChiremba ndikamirira kunzwa kwavari.
Musi wa25 Chikunguru 2018 ndakafonerwa kubva kwaChiremba vachindizivisa kuti ndiende kuAvenues Clinic musi wa26Chikunguru 2018 masikati. Ndakaenda kuAvenues Clinic musi wandakange ndaudzwa ndikatambirwa nana mukoti vaifara, ndikanzwa kuti aahh ndozvandaidaka izvi. Ndakanzwa kugwinya nekuva nechivimbo muna Chiremba Mandizvidza ndikabva ndazvinamatira husiku hwose nokuti ndakanga ndatarisana neoperasheni. Ndakasangana naChiremba Mandizvidza naChiremba Nyoni zuva raitevera operasheni ndikaona vachifara zvikuru kundiona – ndinoda kutenda naizvozvo nokuti zvakandisimbisa.
Musi weoperesheni 27 Chikunguru 2018 ndakaendeswa kuTheatre ndikasangana nana Chiremba Mandizvidza naNyoni vachingoratidza kufara zvakare. Tiripakati pekurukura navo ndakazongoona ndakumuka kwapera maawana anodarika mashanu. Pandakamuka ndakange ndisati ndonzwisisa zvaitika. Ndakavhara maziso angu nokuti ndainzwa dzungu ndikazomuka zve apandakange ndakuziva zvandaiita ndakanzwa munhuhwi pamhuno pangu ndikaona matambo aibva pahuro pangu neparuoko. Ndakabva ndaziva kuti operesheni yakanga yaitwa ndikaona kubata kwaMwari nokuti ndakanga ndiri mupenyu. Husiku ihwohwo ndakarara kunge mwana mucheche ndakazomuka pakati pehusiku ndave kunzwa kurwadziwa. Vanamukoti vakandibaya jekiseni ndikarara pakare. Fume mangwana ndakamuka ndichifara kuti ndakange ndiri mupenyu, ndikaona kubata kwaMwari.
Kwapera mazuva matatu ndaoparetwa.ndakazobuditswa muHigh Dependence Unit (HDU) ndichienda kumawadhi uko ndakagara svondo rose. Chiremba vakazouya vakataura neni vachindibvunza kuti wave kuda kuenda kumba here, ndikavaudza kuti zuva ramangwana acho ndorandaida kuenda kumba. Vakanyora gwaro rekuti ndizokwanisa kubuditswa ramangwana acho. Ndakazobuditswa ndikaenda kumba marwadzo ndisisaanzwe kusara kwechikora chairema ndichitadza kutendeutsa mutsipa uye kutadza kunyatsodya chikafu chakaomarara kwesvondo. Ndakazokera kwaChiremba kunotariwa kwapera masvondo maviri ndaoperetwa. Chiremba vakatarisa chironda vakaisa bandage rimwe vakandiudza kuti hapana chakaipa.
Kwapera masvondo matatu ndakadzokera zve kwaChiremba – apa marwadzo pakange pasisina ndikazotanga physiotherapy kwapera mwedzi.
Zuva ranhasi pandiri kutaura kudai ndinoda kutenda Mwari naChiremba Mandizvidza neoperesheni yakafamba zvakanaka marwadzo akapera. Ndave munhu anofara ndisina marwadzo.
Aiwa Chiremba Mandizvidza inyanzvi pabasa ravo remusana. Mbiri kunaShe.